Uncategorized

zviwanikwa zvezimbabwe –

26 Oct, 2018 - 00:10 0 Views
zviwanikwa zvezimbabwe – Mhara

Kwayedza

Juliet Sharon Tom

Shona: MHARA

Ndebele: Impala

English: Impala

MHARA imhuka inozivikanwa zvakanyanya muZimbabwe, kunyanya nekuda kwekumhanya zvakaomarara nekusvetuka zvikuru.

Mhuka iyi ine ganda rine mvere uye ine hutsvuku hwakasvibirira nedumbu jena. Muswe wayo muchena nechepasi uine mutsetse mutema nechepamusoro.

Nzeve dzemhara dzakati kurei, dziine kumucheto kutema asi nechemukati dziri chena.

Mabhuru bedzi ndiwo anomera nyanga idzo dzinoshandiswa pakurwa kana dzichiedzana masimba uye anokura kudarika hadzi pamuviri.

Mhara dzinowanzogara munzvimbo dzine miti uye pedyo nemvura. Dzinofura sora nemashizha masikati, dzozorora husiku apo dzinenge dzozeya.

Mhuka idzi dzinogara dziri muzvikwada (danga) – pamwe pacho mabhuru oga, hadzi nemhuru kana kuti dzakasangana – zvichienderana nemwaka.

Mhuka iyi inokasika kuvhunduka, ndokusaka dzichiti kana dzikangoona kana kunzwa chinodzityisa, dzinobva dzatiza. Dzinovimba nehwema pakungwarira zvikara nemhandu.

Zamu remhara rinoita mazuva 196 apo inozobara mhuru imwe chete.

Mhuka idzi dzinovhimwa zvakanyanya nezvikara zvesango zvakaita semadindingwe, shumba, mapere nembada.

Mhara dzinozivikanwa nekufura dziri pedyo nedzimwe mhuka dzakaita sembizi kana makudo. Hushamwari hwadzo nemakudo huri pakuziva kuti bveni rinokwanisa kugara raona zviri kure sezvikara.

Mhara hadzityise kuvanhu asi kutoti dzakanaka zvikuru kuvarimi vanopfuya mhuka.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Field Guide to the Larger Mammals of Africa – Chris and Tilde Stuart

The Safari Companion – Richard Estes

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links