Uncategorized

– zviwanikwa zvezimbabwe –

07 Dec, 2018 - 00:12 0 Views
– zviwanikwa zvezimbabwe –

Kwayedza

Juliet Sharon Tom
Shona:                                Jongwe

Ndebele:            Iqhude, Unyawulwenkukhu

English:              Flame Lily

JONGWE ndiro ruva renyika yeZimbabwe (national flower). Ruva remusango iri rinowanikwa kunzvimbo dzakawanda dzenyika, kunyanya munguva yeZhizha kubva munaZvita kusvika munaKurume.

Kunyangwe mazhinji acho aine dzinde re”green” mazuva acho anowanikwa ari pamavara akasiyana – mamwe matsvuku kana e”purple”. Mamwe madzinde anomira kuti twi asi mamwe anoita seanotambarara.

Dzinde racho rinogona kureba chipo chemita imwe chete, roita maruva anoita kunge rimi remoto (flame) kana kuti muchochororo wejongwe (ndipo panobva zita reruva iri).

Jongwe iruva rakachengetedzwa pasi pemutemo muZimbabwe. Pasi pemutemo weParks and Wildlife Act, vanhu havatenderwe kukohwa kana kutema jongwe kuti varishandise pachavo kana kuritengesa.

Zvakakosha kuziva kuti rose zvaro jongwe – kubva kumidzi, dzinde, mashizha nemaruva – rinokora zvekuuraya munhu kana mhuka. Zvisinei, kukora kwaro hakunyanyoonekwa nechikonzero chekuti kudyiwa kwaro kashoma.

Jongwe riri panjodzi yekupera zvachose muZimbabwe.

Ruva iri harichanyanya kuonekwa munzvimbo dzakawanda sezvaraiva kunze kwematunhu anosanganisira Marondera, Hwedza, Rusape, Goromonzi neDomboshava. Asiwo munzvimbo idzodzi, vamwe vanhu vanoonekwa vachiritengesa mumativi emigwagwa mikuru, izvo zvisingatenderwe.

Kana muti wabviswa maruva, dzinde racho rinobva rafa, zvoita kuti uparare. Nekudaro, zvakakosha kuti veruzhinji vakoshese zviwanikwa zvesango kuitira kuti zvizvarwa zvamangwana zvigozvionawo.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

The Bundu Book of Trees, Flowers and Grasses – Longman Zimbabwe

Wild Flowers of Zimbabwe – D.C.H.Plowers and R.B. Drummond

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

 

Share This:

Sponsored Links