Uncategorized

– Zviwanikwa zveZimbabwe –

04 Jan, 2019 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Juliet Sharon Tom

Shona:                  BVUNGO/JACHACHA

Ndebele:             Insimba

English: Civets

BVUNGO imhuka inoyevedza kuona iyo vamwe vanoifananidza nembada. Mune mhando mbiri dzebvungo muZimbabwe — African Civet neTree Civet.

Mhuka iyi ine mvere chena pamuromo nenhema dzakakomberedza maziso neshaya dzayo.

Bvungo rinofamba rakaderedza musoro waro pasi, riine mutsipa murefu une mavara nemadoo matema nemachena.

Muviri webvungo une mvure pfumburukwa dziri pfupi nemavara matema. Makumbo achi mapfupi ari matema zvekare. Muswe wacho une mamvere marefu uye wakasvibirira.

Kana rakura, bvungo rinorema 7 kusvika 20kg. MuZimbabwe, mhuka iyi inofarira gugara munzvimbo dzine zvitombo nemvura pedyo.

Dzinowanzosununguka munguva dzehusiku apo inofamba yoga kana kuti dziri mbiri. Mhuka iyi inodya shiri, mbeva, mazai, madzvinyu, matatya, makangadye, michero netupukanana. Pamwe inogona kubata huku kana vana vehwai.

Kana ari masikati, bvungo rinogara muguru kana mumiti yakapfita. African Civet inoita vana kutanga yava negore rekuberekwa — ichibara kaviri pagore. Vana vacho vanoyamwa kwemasvondo matanhatu vasati varumurwa.

Kana bvungo ragumburiswa, rinomisa zenze richiburitsa mweya unonhuwa. Mhuka iyi haisi njodzo kuvanhu, asi dzinodyiwa neshumba, mapere kana nembada.

Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Wild Mammals (Bundu Series) — Dale Kenmuir and Russel Williams

The Behaviour Guide to African Mammals — D. Otte & E.O.Wilson

Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>