Uncategorized

– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABWE –

18 May, 2018 - 00:05 0 Views
– ZVIWANIKWA ZVEZIMBABWE –

Kwayedza

Juliet Sharon Tom

SAMBANI/HWIRIBIDI

(Isambane/Aardvarks/Ant bear)

SAMBANI kana kuti hwiribidi imhuka inowanikwa munzvimbo dzakawanda dzemuZimbabwe, kunyanya kunevhu rejecha.

Mhuka iyi ine muromo murefu – vamwe vanoti wakarebenuka – uyo wainoshandisa kubata hwema nekufukunura mwena nezvuru zvinenge zviine majuru kana kuti muchenge kana masvosve.

Sambani ine muviri wakasimba uye musana wayo wakatutumara, uine tumvere twakada kutsvukuruka (yellowish-grey) asi dzimwe nguva twuchinosvibirira zvichienderana nevhu renzvimbo yainogara <https://en.wikipedia.org/wiki/Soil>.

Ganda remhuka iyi rakasimba kana kuti rakaomarara kuitira kuidzivirira kuzvimwe zvikara. Makumbo esambani ekumashure akati rebei zvishoma kudarika ekumberi, dzimba remberi riine zvigunwe zvina asi reshure riine zvishanu.

Sambani inogona kurema zvekusvika 80 kg uye inoreba kusvika 60 cm. Sambani inogara muguru kana kuti mazimwena ayo inochera ichishandisa makumbo ayo akasimba. Mhuka iyi inofarira kufamba husiku uye masikati apo kunze kunenge kuchipisa, inenge iri muguru.

Zuva richingodoka, sambani inotanga kuvhima chikafu – yoshandisa nemazvo matsimba ayo ane nzara kutsvaga kudya kwepamoyo – majuru kana kuti muchenje.

Inochera churu nekukasika ichitsvaga kudya. Ichishandisa rurimi rwayo rwakareba zvekusvika 30cm, sambani inoita zvekunanzva majuru. Ganda rayo iro rakaomarara rinoibatsira kuti isarumwe nemajuru pakudya.

Sambani hadzi inoita mawuta kwemwedzi minomwe <https://en.wikipedia.org/wiki/Gestation> uye inobara mwana mumwe chete angangorema 1.7 kusvika 1.9 kg. Dzinowanzoita vana munguva yechando uye mwana wacho anochengetwa nesambani hadzi kwemwedzi mitanhatu.

Kana zvaipa, sambani inotizira muguru rayo – asi kana paine mukana, inokwanisa kuchera mwena nekukasika wekungopinda nguva iyoyo.

Kana ichipfuiwa, sambani inogona kurarama kwemakore 23.

Kunze kwekugona kubata hwema, sambani ine nzeve dzinonzwa zvakanyanya izvo zvinoita kuti ikasike kunzwa zvikara zvakaita seshumba, mbada, mhumi, mapere kana dindingwe kana vanhu apo zvinenge zvichiri kure.

Kana yotiza, sambani haimhanye yakati twasa kuitira kunzvenga muvengi asi kana yaiswa pakaomarara, inoswinya nenzara dzayo refu.

Vamwe vanoshandisa sambani mumabasa echivanhu akasiyana. Vamwe vanoti sambani inotaswa nevaroyi pakufamba husiku kunyangwe zvazvo aya achingova mafungiro evamwe sezvo pasina humboo hwakazara nezvazvo. Vamwe vanoti rurimi rwesambani mudya ndakasunga sezvo rwuchinzi rwunonaka zvikuru sehusavi.

Zvisinei, bazi reZimparks harikurudzire vanhu kuti vatevedze tsika dzose dzakashata idzi, asi kuti vagarisane zvakanaka nezviwanikwa.

. Zvimwe zviri muchinyorwa chino: Chris and Tilde Stuart – Field Guide to the Larger Mammals of Africa.

 

. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links