Uncategorized

– zviwanikwa zvezimbabwe –

08 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Juliet Sharon Tom
NYATI
Inyathi/Buffalo
NYATI ndiyo bedzi mhuka iri muchikwata chemombe inogara musango uye yakasiyana nemombe pakuti iyo ihuru uye yakasimba.

Nyati imhuka inozivikanwa nekusimba, iine nzeve huru pane dzemombe, idzo dzine mvere uye dziri nechepazasi penyanga dzayo huru. Ine musoro mukuru, chipfuva (chityu) chikuru nemakumbo akasimba ichireba zvekusvika 1.4m pamakumbo emberi. Inosvika 600kgs pahuremu.

Zvinonzi nyati ine simba rakapetwa kanosvika kana kudarika redhonza remombe.
Nyati dzinowanikwa paruvara rwakada kutsvukuruka kusvika pakuva nhema uye dzinonyanya kusviba zvichienderana nekukura kwadzo izvo zvinoita kuti vana vadzo (mhuru) vave neganda rakatsvukuruka. Nyanga dzenyati dzakakombamira nechemukati, sezvakaita “question mark”, nzombe kana kuti mabhuru aine nyanga dzakakura kudarika dzehadzi.

Nyati inokuma kana kudzvova sezvinoita mombe, kunyanya dziya dzinenge dzarasana nedzimwe kana kuti dzabatwa nezvikara musango.

Iyi imhuka inofura sora – kunyanya huswa – (grazers) asi inogonawo kurarama nekudya mashizha kana zviminzwa zvemiti ndokunge kusina sora rakakwana.

Nekuda kwekuti dzinoda mvura yekunwa yakawanda, nyati dzinofarira kugara kune mvura.
Dzinowanzofura husiku, dzozonwa mvura kunze kwava kunoyedza kana kuti zuva rovira apo dzinoswera dzakazorora mumumvuri dzichizeya.

Nyati dzinogara dzakawanda, dzimwe nguva kutosvika 500 uye kana dziri shoma dzinogona kunge dziri chikwata chemhuka gumi nembiri apo panenge pakawanda mhou nemhuru. Nzombe kana kuti mabhuru enyati anowanzofamba aine chikwata chawo chinodaidzwa kuti “bachelor herds” kana kugara iri imwe chete.

Kana dzozvidzivirira kuchikara chakaita seshumba, nyati dzinoita denderedzwa dzakakomba mhuru kana kuti imwe yadzo yadzinoziva kuti haina kunyatsosimba – pamwe pacho nekuda kwekuti yachembera kana kuti yakakuvara – apo dzinenge dzakaringidza nyanga kumuvengi.

Dzimwe nguva chikara chinototadza kubudirira nekuda kwemaitiro enyati aya pakuzvidzivirira.
Mhou yenyati inoita zamu kwemazuva 340 – chipo chegore rose – apo inozobereka mhuru imwe chete ingangorema 40kgs. Mhuru iyi inokwanisa kunge yofamba nerimwe gurusvusvu renyati mushure memaawa mashoma yaberekwa.

Nyati imhuka inopenga zvekuva nenjodzi, kunyanya ikadzingirirwa kana kuti yakakuvara. Naizvozvo, pakufamba netsoka, vanhu ngavasiyane nekudarika nemumasango ane rugwezhwa kana kuti akapfutira umo munowanzogara mabhuru ayo anozivikanwa nekutanga kurwisa vanhu. Kana yoinga munhu, nyati haidzokere shure.

Nyati dzinozivikanwa semhuka dzinokwanisa kusvika kugere vanhu semumisha yemumaruwa, naizvozvo veruzhinji vanokurudzirwa kuzivisa veZimparks kana mapurisa ari pedyo nekukasika kana izvo zvaitika. Vanhu vanokurudzirwa kuti vasaedze kutyisidzira kana kudzinga mhuka idzi sezvo dzichikasika kugumbuka dzotanga kurwisa.
Zvimwe zviri muchinyorwa chino:

Gus Mills and Lex Hes – The Complete book of Southern African Mammals
Clive Walker – Signs of the Wild
. Kuti muzive zvakawanda batai veZimparks Public Relations pa: 0772 620 178.

Share This:

Sponsored Links