Zvototarisira muna 2019

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Zvototarisira muna 2019

Kwayedza

Ticha danga
TICHINOVHARA zvikoro kotoro yakapfuura, takaimba rwiyo tichionekana nevarairidzi vemugwaro rechitanhatu tichiti toenda kunozorora. Zvirokwazvo takazorora.Tava kuti “Mauya, tikutambirei mugwaro rechinomwe.” Iri ndiro gwaro rekupedzisira muzvidzidzo zvepuraimari nokudaro igore rakakosha kuvana vachangotibata muchirongwa chino chatinopakurirwa neveKwayedza avo vanodokwairira kuona vana vachibuda zvakanaka muzvidzidzo zvavo.

Mukuzadzikisa shuviro dzeKwayedza, inokupakurirai chirongwa chedzidziso kubva kutsumo, madimikira, nyaudzosingwi, zvipauro, fananidzo nefananidzo siri. Chirongwa ichi chinodzidzisa zvakare manyorerwo akanaka erondedzero uye mutauro chaiwo wamandorokwati.

Hazvigumiri ipapo asi kuti tinosvika pakudzidzisana manyorerwo akanaka anotarisirwa muzvinyorwa zvedu kuti mhosho dzishaike zvachose asi kana dzichinge dzozosanganikwa nadzo dziite shoma

Chikamu chino chingori chekubatisana zvatinofanirwa kutarisira mugore ra2019 ratadai kupinda. Zvakakosha chose kuti tiwane nguva yekuona kuti ivava vakabuda matapinda vakazvigona sei toone kuti tokunya zvakadii kuti tibatane navo kana kupfuura.

Goho regore rapfuura rakauya musi wa3 Zvita richiratidza kuti vana vanga vakaita zvakanaka kudarika gore ra 2017 sezvo vakabudirira vainge vasvika zvikamu makumi mashanu nezviviri, nezvinoraudzira kubva muzana (52.08%). Va2017 vakaita zvikamu makumi mana nezvina nezvinoraudzira kubva muzana (44.73%).

Chakava chinhu chakafadza chose kuti varairidzi kusanganisira pepa reKwayedza vakashanda nesimba. Zvinoreva izvo kuti chitsvambe chave nesu vapindawo gore rino nekuti hazvifanire kudzika asi kutopfuura.

Zvino kana tichiti vakashanda nesimba zvoreva kuti hakuna chakatombonaka gore rino, kutokunya nekusunga dzisimbe.

Zvino tinotangira papi kudzisunga kwacho kuti dzisimbe. Pfungwa dzedu ndidzo dzinofanira kutanga kusungwa kuti dzisimbe. Hativei nevavariro yekuti tibude zvakanaka muzvidzidzo zvese zviri zvishanu. Kutaura kuno tingadai tiri kuti vakabuda vaya havabatiki dai vakabata pfungwa dzavo vakadaro asi kuti ongororo inoratidza kuti chiShona chainopasirwa kure kure. Vashoma vakanyatsochirova zvine mutsindo munyika yose.

Kusaitwa zvakanaka kweShona ikoko kwaibva kwakakatira goho remwana pasi. Matorerwo anoitwa chiShona navazhinji ndeekuti chinoiswa pekudzikisira zvekuti vanhu havanyatsoisa simba ravo machiri kunyanya vemudhorobha.

Vanoita chiShona chekuyerura asi matambudziko anozonobudira pagoho. Nokudaro hatipindei nechamunyurududu nemuchiShona ichocho nekuti mufaro uchazouya mberi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey